Ezra 2

Mazita aVakanga Vambotapwa Vakadzokera Kunyika Yavo

1Zvino ava ndivo vanhu vomudunhu vakadzoka kubva kuutapwa hwavakanga vatapwa, avo vakanga vatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakanga vaendeswa kuutapwa kuBhabhironi (vakadzokera kuJerusarema nokuJudha, mumwe nomumwe kuguta rake, 2vakanga vari pamwe chete naZerubhabheri, Jeshua, Nehemia, Seraya, Reeraya, Modhekai, Bhirishani, Misipari, Bhigivhai, Rehumi naBhaana):

Uwandu hwavarume pakati pavaIsraeri:
3zvizvarwa
zvaParoshi zvaiva zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri;
4zvaShefatia zvaiva mazana matatu namakumi manomwe navaviri;
5zvaAra zvaiva mazana manomwe namakumi manomwe navashanu;
6zvaPahati-Moabhu (vorudzi rwaJeshua naJoabhu) zvaiva zviuru zviviri namazana masere negumi navaviri;
7zvaEramu zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mashanu navana;
8zvaZatu zvaiva mazana mapfumbamwe namakumi mana navashanu;
9zvaZakai zvaiva mazana manomwe namakumi matanhatu;
10zvaBhani zvaiva mazana matanhatu namakumi mana navaviri;
11zvaBhebhai zvaiva mazana matanhatu namakumi maviri navatatu;
12zvaAzigadhi zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi maviri navaviri;
13zvaAdhonikami zvaiva mazana matanhatu namakumi matanhatu navatanhatu;
14zvaBhigivhai zvaiva zviuru zviviri namakumi mashanu navatanhatu;
15zvaAdhini zvaiva mazana mana namakumi mashanu navana;
16zvaAteri (vorudzi rwaHezekia) zvaiva makumi mapfumbamwe navasere;
17zvaBhezai zvaiva mazana matatu namakumi maviri navatatu;
18zvaJora zvaiva zana negumi navaviri;
19zvaHashumi zvaiva mazana maviri namakumi maviri navatatu;
20zvaGibhari zvaiva makumi mapfumbamwe navashanu;
21varume
veBheterehema vaiva zana namakumi maviri navashanu;
22veNetofa vaiva makumi mashanu navatanhatu;
23veAnatoti vaiva zana namakumi maviri navasere;
24veAzimavheti vaiva makumi mana navaviri;
25veKiriati Jearimi, Kefira, neBheroti vaiva mazana manomwe namakumi mana navatatu;
26veRama neGebha vaiva mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe chete;
27veMikimashi vaiva zana namakumi maviri navaviri;
28veBheteri neAi vaiva mazana maviri namakumi maviri navatatu;
29veNebho vaiva makumi mashanu navaviri;
30veMagibhishi vaiva zana namakumi mashanu navatanhatu;
31veEramu yechipiri vaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mashanu navana;
32veHarimi vaiva mazana matatu namakumi maviri;
33veRodhi neHadhidhi neOno vaiva mazana manomwe namakumi maviri navashanu;
34veJeriko vaiva mazana matatu namakumi mana navashanu;
35veSena, vaiva zviuru zvitatu namazana matanhatu namakumi matatu.

36Vaprista:
zvizvarwa
zvaJedhaya (veimba yaJeshua) vaiva mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu;
37zvaImari zvaiva chiuru chimwe chete namakumi mashanu navaviri;
38zvaPashuri zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mana navanomwe;
39zvaHarimu zvaiva chiuru chimwe chete negumi navanomwe.

40VaRevhi:
zvizvarwa
zvaJeshua navaKadhimieri (vorudzi rwaHodhavhia) zvaiva makumi manomwe navana.

41Vaimbi:
zvizvarwa
zvaAsafi zvaiva zana namakumi maviri navasere.

42Varindi vapasuo reTemberi:
zvizvarwa
zvaSharumi, zvaAteri zvaTarimoni zvaAkubhi, nezvaHatita nezvaShobhai zvaiva zana namakumi matatu navapfumbamwe.

43Vashandi vomutemberi:
44zvizvarwa
zvaZiha, zvaHasupa, zvaTabhaoti,
zvaKerosi, zvaSiaha, zvaPadhoni,
45zvaRebhana, zvaHagabha, zvaAkubhi,
46zvaHagabhi, zvaSharimai, zvaHanani,
47zvaGidheri, zvaGahari, zvaReaya,
48zvaRezini, zvaNekodha, zvaGazami,
49zvaUza, zvaPasea, zvaBhesai,
50zvaAsina, zvaMeumini, zvaNefusimi,
51zvaBhakubhiki, zvaHakufa, zvaHarihuri,
52zvaBhaziruti, zvaMehidha, zvaHarisha,
53zvaBharikosi, zvaSisera, zvaTema,
54zvaNezia uye nezvaHatifa.
55Zvizvarwa zvavaranda vaSoromoni:
zvizvarwa
zvaSotai, zvaHasofereti zvaPerudha,
56zvaJaara, zvaDharikoni, zvaGidheri,
57zvaShefatia, zvaHatiri, zvaPokereti-Hazebhaimi uye nezvaAmi.
58Varanda vaishanda mutemberi nezvizvarwa zvavaranda vaSoromoni vaiva mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri.

59Ava ndivo vakauya vachibva kumaguta eTeri Mera, Teri Harisha, Kerubhi, Adhoni neImeri, asi vakanga vasingagoni kuratidza dzimba dzamadzibaba avo kwavakanga vakaberekerwa muIsraeri:
60Zvizvarwa
zvaDheraya, zvaTobhia nezvaNekodha zvaiva mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri.

61Uye kubva pakati pavaprista:
zvizvarwa
zvaHobhaya, zvaHakozi uye nezvizvarwa zvaBhazirai (murume akanga awana mwanasikana waBhazirai muGireadhi uye akazotumidzwa zita iroro).
62Ava vakatsvaka nhoroondo yamazita emhuri yavo, asi havana kuiwana, nokudaro vakanzi vakasvibiswa vakabviswa pauprista. 63Mubati akavaudza kuti varege kudya chipi zvacho chezvokudya zvitsvene kwazvo kusvikira kwazova nomuprista anoshumira neUrimi neTumimi.

64Ungano yose pamwe chete yaisvika zviuru makumi mana nezviviri namazana matatu namakumi matanhatu, 65tisingasanganisiri varanda vavo navarandakadzi vavo vakanga vari zviuru zvinomwe namazana matatu namakumi matatu navanomwe: uye vakanga vane varume navakadzi mazana maviri vakanga vari vaimbi. 66Vakanga vane mabhiza mazana manomwe namakumi matatu namatanhatu, manyurusi mazana maviri namakumi mana namashanu, 67ngamera mazana mana namakumi matatu namashanu uye nembongoro zviuru zvitanhatu namazana manomwe namakumi maviri.

68Pavakasvika paimba yaJehovha muJerusarema, vamwe vakuru vedzimba vakasarudza kupa nokuzvisarudzira kuti imba yaJehovha ivakwezve panzvimbo yayo. 69Maererano napavaigona napo vakapa kuhomwe yemari yebasa iri, madhirakema zviuru makumi matanhatu nechimwe
makirogiramu angaita 500
egoridhe, nemamina zviuru zvishanu
matani angaita 2.9
esirivha uye nenguo dzavaprista zana.

70Vaprista, vaRevhi, vaimbi, varindi vemikova uye navashandi vomutemberi vakagara mumaguta avo, pamwe chete navamwe vavanhu, uye vamwe vaIsraeri vose vakagara mumaguta avowo.

Copyright information for SnaBDSC